Bhuku rekwaSvinurai rodarika makore makumi maviri risina mvura
Perseverance Javangwe
Vagari vemubhuku rekwaSvinurai-Gawa KuGokwe South vashushikana zvikuru nekushayikwa kwemvura kwemakore anodarika makumi maviri izvo zvave kudzosera kubudirira kwenzvimbo iyi kumasure sezvo vavekutambudzika kuti vawanewo kudya kunovaka muviri ukuwo madzimai nevasikana vave kusangana nemhirizhonga mukufamba nzendo refu vachinotsvaka mvura.
Kushaikwa kwemvura mubhuku rekwaSvinurai kwanyanyisa zvekuti. Vanhu vemudunhu iri vave kutopererwa kuti chingava chii nekuti kuderere kwemvura panzvimbo dziri pedyo navo kwanyanya zvekuti havachaziva pekubata. Vamwe vanoti vakatomboenda kwaMambo kunoonesana navo kuti zvingaitwa sei. Vachitaura nemupepeti weGango Sabhuku Svinurai vanoti ivo Mambo vakati zvimwe kuda kuchinja kwemwaka (climate change) kwave kutaurwa mazuva ano nekuti naivowo havachaziva zvekuita.
Kunaya kwemvura kwaderere zvakanyanya mumwaka yadarika izvo zvave kukonzera kuti vanhu pamwechete nezvipfuyo zvavo vashaye chekubata. Mubhuku rekwa Svinurai zvinorwadza kuwona kuti mamwe madzimai nevanasikana pavanoenda kunochera mvura kune vamwe vari munzvimbo iyi vasingakwanisi kuendawo vakaita semachembere uye vakaremara. Nekudaro vaya vanenge vaenda kunochera mvura vanozobetserawo chembere dziya nevaya vakaremara. Achitaura nemupepeti weGango Angella Chigwamba anoti iye uyu mutoro unorema kwazvo asi panoda kubetserwana kuti munhu wese awane mvura.
“…kana chembere dzedu dzirimuno mumusha tinotoshaya kuti dzoita sei dzisingangoni kunochera, tikawana migomo kumigodhi tinotovapawo. Asi mighodhi yacho yatinoshandisa inobuda migomo kan umwe chete chaiwo kana matatu kana ichinge yatowanda. Ska tinototambura tirimuno maSvinurai zvekuti kana ukatowana mugomo umwechete uina vamwene vasingachagoni kufamba unotovapawo. Kana iri nyaya yekugeza tinotopedza vhiki chairo tichiita mvura yekusvinira patauro, chero mukatarisa vana vedu vanobva muno masvinurai Havana kunyatsoshambidzika zvinoita vamwe vana nekuti hakuna mvura yekuti vageze,” Chigwamba anodaro.
Otilia Siziba naMike Mutete vakataurirawo mupepeti weGango kuti zvinorwadza kuwona kuti basa zhinji kuvanhu vechidzimai kunyanya, rangove rekuswerero chera mvura. Vakati ivo zvekare zvinorwadza kuwona kuti mombe dzave kupera mumatanga nekuti dzirikufa nekunyanya kushanda mukuenda kunochera mvura zuva nezuva dzichifamba nzendo refu mumigwagwa izere matombo.
“Muno mubhuku rekwasvinurai tine dambudiko remvura zvikuru sei kunyanya, zvekutoti kana iri nguva yekunaya tine chiguvi chatinacho chiri paseri apo ndicho chatinochera mvura. Zvipfuyo zvedu, mombe, madhongi, nembudzi zvinomwawo ipapo, isu tinenge tichicherawo nedivi izvozvichimwawo divi asi kana mvura ikange yangoperawo ipapo inonyura yopera tine migodhi iripo yataisimboshandisa kare asi ikozvino haichabati mvura zvekuti munhu anokwanisa kuwana mvura vanhu vatatu vanomukira nemigomo yavo mitatu yekutanga vamwe vese vanoshaiwa. Tinozofamba kuenda kuchirwizi chiri kunevatakavakidzana navo vari kuna Sengwa kwatinofamba makiromita gumi kuti tinowana mvura yekumwa. Semadzimai tinowomerwa zvikuru neupenyu uhu zvekuti tinotora nguva refu tichitsvaka mvura zvinobva zvatikonesa kuita mamwe mabasa. Chinozonyanya kutirwadza zvakare ndechekuti hatina kana muriwo wekuti tisevese nesadza mudzimba, hatina zvatinokwanisa kuitawo zvimwe zvirongwa zvekuita mapindu neluda kwedambudziko remvura,” akadaro Siziba.
“Tikafamba mumisha umu tichitarisa kumatanga, ngavi dzave shoma nekuti dziri kufa nengoro dzichibva kuna Sengwa. Kureva kuti tave nedambudziko remvura yekumwa uye tave nedambudziko rezvekukwevesa zvichikonzerwa nemvura irikushaikwa. Kune vamwewo vasina ngoro kana mombe vanouya kunanhingi voti ndingakandawo zvigubhu zvangu kuenda kuna Sengwa mangwanazve odzoka, pamwe wombonzvengwa asi anoswera nenyota saka idambudziko guru iroro rakakurisa. Chikomba chiri apo chakavhukunyurwa neve DDF tinototi vakatigonera, hamenowo kuti vakabva nepi vanhu ivavo nekuti tave kutorarama ipapo, nguva yemvura tinoti kwachena asi sezvataurwa nemadzimai paguvi iroro tirikumwa tese nezvipfuyo.
“Migodhi yatiri kunyanya kushandisa ndeyekwaSabhuku. Sabhuku vakati bvumirawo kuti huyai mumwe vanhuwe mungafa nenyota saka tinopota tichimwawo ipapo asi zvino tawandisa saka hatichakwani mvura iya saka tinopota tichiti vamwe vakambotora migomo mina kana yakawanda. Asi ivo sabhuku vakati zvirinani tiite migomo miviri, umwe mangwanani umwe zuva rovira nechikonzero chekuti tikwane tose, dambudziko iri ratinyanyira,” akadaro Mutete.
Bishop Edmund Munengiwa vanoti ivo kushaikwa kwemvura mubhuku rekwaSvinurai kwave kukonzera kuti vanhu veko vashaye nguva yekuenda kukereke zvayo.
“…chatakabatana nacho chakaita kuti tiuye pano inhau yekuti sekereke kana kuti nditi semutungamiri wemakereke, regai nditaure ndichiti kuti vanhu vekwaSvinurai vaende kukereke zvave kuvaremera nekuda kwekuti mashandiro avanoita akanyanya zvikuru pakutsvaka mvura kupfuura kuenda kukereke. Zvekare muno maSvinurai hamuna mapindu, asi bhaibheri shoko raMwari rinotiudza kuti munhu anofanira kushanda kunyangwe bindu reEden rakararama nekuti kwaive nemvura asi muno zvakavaomera nekuti kwavanowana mvura kure zvekuti hapana kana dzinde remuriwo ravanogona kusima. Shuviro yangu ndeyekuti dai Mwari vapindira kuitira kuti chero mvura isimuke nekuti kuno kunodambudziko guru. Takatomboenda kuchikoro kunodzidza vana vemubhuku rino mukuru wechikoro akati iye vana vekwaSvinurai ndivo vanonoka kupfuura vamwe vana vese nekuti kwavanowana mvura kure. Shuviro yedu ndeyekuti dai vanhu vekwaSvinurai vawana mvura,” vanodaro Bishop Munengiwa.
Mukufamba mubhuku rekwa Svinurai taisangana nengoro dzakasenga mvura yakawanda, asi vatinhi vengoro vaifamba netsoka dzavo vachidzivirira kuremedza mombe dzavo. Patakasvika pamba paSabhuku pane mugodhi uripo. Sabhuku vanoti vakatendera vanhu kuti vachere pamba pavo asi mvura iripo haichakwani dzimba dzese nekudaro vavekuti imba imwe neimwe inochera marita makumi maviri pazuva ekubika nekumwa kuitira kuti munhu wese awane. Asi Sabhuku Svinurai vakati ivo mvura yavemo yave kuita shoma kubva pamakore mashanu apfuura vachiti ivo pamwe zviri kukonzerwa nekuchinja kwemwaka.
“Kuno kudunhu rekwasvinurai taita dambudziko guru, hongu mamwe matambudziko aripo asi dambudziko redu guru ndere mvura. Mvura yatinetsa zvikuru kwazvo, nzizi dziri padhuze nesu ndiMbumbusi naSengwa, imwe neimwe tinofamba makiromita gumi kumwe gumi neshanu kuti tikwanise kunochera mvura yekumwa. Raini redu rakatanga kugara vanhu 1969 tichingoita zvekunetseka nemvura saizvozvi. Parizvino zvazonyanyisa nekuti vana mai nevana havachakwanisi kunge vachiwana mvura yavo zviri nyore vavekufamba mitunhu mirefu, izvo zvave kukanganisa chero vana kuti vaende kuchikoro. Vana havachakwanisi kuti vaende kuchikoro zvakanyanya nekuti kana baba vari kuda kusunga ngoro kuti vaende kurwizi vanototi mwana chimborovha tiende tese. Kuvanasikana zvakanyanya zvekare nekuti vanomborovha voenda nanaamai kumvura.
“Dzimwe nguva mukufamba kunochera mvura vana vanosangana nezviningamupini, vanasikana varikubatwa chibharo. Madzimai atambura zvakanyanya nekuti chero vachida kuwacha manapukeni zvinototi netsei kuwana mvura, pamwe pacho vakawana mvura inoshandiswa kuwacha yochengetwa kuzowacha zvimwezve mune ramamangwana zvinove zvave kuisa hutano hwedu panjodzi. Mvura inowanikwa pedyo iripano paSabhuku, tine mugodhi wedu watakachera urikuraramisa dzimba dzinosvika makumi matanhatu neshanu. Asi kubva makore mashanu adarika kusvika parizvino mvura yacho haichakwani tose zvino takuita zvekuti pazuva munhu akawana marita makumi maviri ekunomwa nekubikisa kumba zvinenge zvakwana.
“Dambudziko irori remvura muno muraini medu kana tichitarisa zvine chekuita nekudya kwakanaka hatikwanisi kut tiite mapindu ekuwana muriwo wekudya nemhuri pamba. Zvatipinza padambudziko guru nekuti mari yacho yekutenga hatina. Asi chinotoitika ndechekuti chibage chese chatawana tichiti tigodyawo nemhuri chavekupera nekuti varikunenzizi vane mapindu saka vanoziva kuti tikaenda kwaSvinurai tinonowana chibage nenzungu ivo vachitipa muriwo. Zvinorwadza nekuti isu tinosara tiri panzara. Kutotaura kwatirikuita tinosara tonopinda nguva yekukohwa chikafu chedu chinenge chapera. Kushaikwa kwemvura ndiko kunenge kwava kukonzera kuti tirasikirwe nechibage nenzungu.
“Chikumbiro chedu ndechekuti dai tawanawo rubatsiro rwemvura kuitira kuti zvimwe zvirongwa zvatinoita zvigokwanisa kubudirira. Pari panyaya yemvura tine mubatanidzwa wedu unowona nezvemvura, vakagara pasi vakazvipira kuti mhuri imwe neimwe ibhadhare chainokwanisa kubhadhara kuitira kuti tiwane mvura. Takatogara tine land redu ratakatosiya rinokwana mahekita maviri, shuviro yedu iri yekuti tikakwanisa kuwana chibhorani chikaenda ipapo, imwe neimwe mhuri yowanawo kandima kekuita zvirongwa zvakaita sezvekuita mapindu kana kupfuya huku, nguruve nezvimwe. Dai tikawanawo rubatsiro rwemvura pamwe kuda hupenyu hwedu hwungavandudzika. Vana vedu vanoenda kuchikoro vagobetserekawo nekuti ruzhinji vanoenda vasina kugeza kuitira kuti vanosara pamba vasarewo vainemvura,” vakadaro Sabhuku Svinurai.
Mamwe mabhuku akatenderedza Svinurai anosanganisira Bhutugwani neKasamara vakakwanisa kuvakirwa zvibhorani uye zvave nyore kuvagari veko. Asi mukutaura nakanzura wewadhi 32, Remegio Mazo anoti iye zvinorwadza kuwona kuti nzvimbo yaSabhuku Svinurai inoita sekuti yakaraswa nekuda kwekutambudzika kunoita vanhu veko kunyanya nenyaya dzemvura.
“…chichemo chikuru, muno maSabhuku Svinurai dambudziko rinozvara matambudziko ese idambudziko remvura nekuti kana tikawana mvura matambudziko ese anopera nekuti upenyu hwemunhu hwunotangira pamvura. Ndanga ndichkumbirisa zvikuru kune vangatibatsirawo kuti dai zvaigona tawana chibhorani kana chimwe chete chaiswa maSabhuku Svinurai. Zvinotibata zvikuru nekuti Sabhuku Svinurai anoita seakarasika pama Sabhuku ese nekuti arikure nezvikoro, arikure nemvura, nekudaro chikumbiro change kuti dai tasunungurawo Sabhuku svinurai nebhuku ravo vakwanise kuwanawo chibhorani. Dai zvigonawo tichibata neDDF kuti pavirongwa zvehurumende kuti bhuku rega rega riwane chibhorani asi zvichitanga nemuno maSabhuku Svinurai,” anodaro Mazo.
Mvura yakakosha mukurarama kwedu sevanhu asi mubhuku rekwaSvinurai kuiwana kwacho kunorwadza. Maporitizheni vanouya kunzvimbo yeGawa vosiya vavimbisa kuti zvinogadziriswa asi panopera kuvhotewa kana vachinge vakunda havachadzoki kuzounza budiriro kune vaya vakavhota.
Zacheo Chinhema nhengo inomirira DDF achiwona nezvemvura akati iye achasvitsa zvichemo zvevanhu kuvakuru vake kuti vagokwanisa kuwona kuti vangabetsera sei vanhu vemubhuku rekwaSvinurai.
“…senzvimbo ine dambudiko remvura tawona zvakakodzera kuti tiuyewo sekusheedzwa kwataitwa nemubatanidzwa wemakereke (ZHOCD) kuti tizowona tega zvirikuitika. Matambudziko ese ataurwa ndinomanzwisisa uye ndamawona, ndine tarisiro yekuti dai zvanga zvakwanisika kuti panobatsirwawo vamwe kuti vawanewo rubatsiro rwunobatsirawo bhuku rekwaSvinurai. Ini matambudziko ese ataurwa ndamanzwaz saka ndichasvika kuvakuru vangu ndovatsanangurirawo zvandawana, ivo vachagarawo pasinaDCC vowonawo kuti pazvirongwa zvemvura zvichaitwa nehurumende vakwanise kubetserawo nzvimbo ino yekwa Svinurai…,” akadaro Chinhema.
Phelimon Handinahama Hwami anova Project Officer weEU-ZHOCD Troicare Project kuGokwe South akati iye zvakakosha kuti kodzero dzevanhu maererano nekuwana mvura dzichengetedzwe. Nekudaro bhuku rekwaSvinurai rinoda kuti riwane rubetsero rwemvura kuitira kuti vawane kugara zvakanaka vagokwanisawo kuita zvekurima nekupfuya zvipfuyo kuti vagowana kurarama zvakanaka.
“Tiri muno maSvinurai, vanhu vaungana kuti vazotaura nhunha dzavo maererano nedambudziko remvura ravashungurudzauka kwenguva yakareba. SeZHOCD tauya nemumiriri weDDF vanova vanowona nezvemvura kuti anowona zviri kuitika kunzvimbo ino. Pane zvabuda nhasi veDDF vavimbisa kuti vachaenda nenyaya iyi kuvakuru vavo kuti vanodzeya nezvayo vachiwona kuti vangabatsira sei vanhu vemubhuku rekwaSvinurai. Tinovimba kuti pane chiripo chichabuda chinoita kuti kodzero dzevanhu dzinechekuita nekuwaniswa mvura dzikosheswe. Tinoda kupa kutenda kuneveEU neveTroicare nekutipa mukana wekuti tikwanise kuunganidza vanhu nevakuru vavo kuti tibetserane pakuvandundza nzvimbo yeGawa ive inobudirira,” akadaro Hwami.