FEATUREDLatestNewsWomen & Youth

Madzimai akaremara obatana nechinangwa chekuchengeta huku izvo zvaunza shanduko mukurarama kwavo

Isheunesu Tirivangani

Madzimai akaremara anogara kuGokwe South ward 5 varikutenda bazi yeMinistry of Women’s affairs iyo yakavawanisa mari mushure mekunge vakumbira kuti vakwanise kutanga kuita zvekuchengeta huku nedonzvo rekuti vasava vanhu vanozikanwa nekugaro kumbira nekupemha asi kuti vave vanhu vanozvishandira pachavo nemaoko avowo.

Shanduku iyi yauya mushure mekunge vanorarama nehurema varikusaririra munyaya dzebudiriro dzirikuitwa munyika kupfurikidza nehurumende yeSecond Republic. Chanyanyo kuodza moyo ndechekuti vatungamiriri vakasarudzwa nevanhu kuti vavamiririre havasi kurangarira vanhu vanorara nehurema uye kuzadzisa zvavakavimbisa kana vava mumahofisi. Vatungamiriri varikuonekwa vari vanhu vanozvifunga ivo kunyanya kudarika vanhu vanotambura zvikuru avo vanorarama nehurema.

Vanhu vanorarama nehurema ikodzero dzavo kuwaniswa mikana munyaya dzebudiriro munyika kuti zvisavaomera pamararamiro avo. Mutsvakurudzo dzekaitwa nebepa nhau rino dzinoratidza kuti zvikamu zvinopfuura makumi masere zvirikunonga svosve nemuromo mukati menyika yeZimbabwe zvevanorarama nehurema. Ino inguva yekufambirana pamwechete munyaya dzebudiriro nevanorarama nehurema izvo zvasumikidzwa nemadzima mana vagari vemuGokwe ward 5 mapfungautsi vanova Faudtinah Magama, Alice Sabawe, Ashely Nkomo naBeauty Zhou.

Magama anoti iye vakagara pasi nevamwe vake semadzimai anorara nehurema kuti vaite mazano ekuita project yekuchengeta huku sezvo vakaona kuti ndiyo yakavarerukira kuita. Asi dambudziko guru rakava pakuwana mari yekutanga nayo kuita project iyi zvinova zvakavatemesa misoro. Vakabva vaisa chikumbiro chavo kuvatungamiriri vanosanganisira kanzura naMP asi hapana chimuko chakabuda kusvikira vatsvaka imwe mikana vega.

Zvekare vanoti ivo mushure mekunge vanzwa nezvekuti vekuMinistry of Women affairs vanowanisa maroni,vakabva vaita chivindi chekubatana nevamwe kunoita zvaidihwa kuti vawaniswe maroni avaida. Vanoti ivo vakanyora mapepa aidikanwa kusvikira pakazopinda mari yavo mubhanga.

“Handigoni nemufaro pamwechete neshamwari dzangu nekuti dai takada kumurira kana kutarisira mumwe kuti atimiririre tingadai takamirira kwenguva yakareba sechirema chiya chepabhethisada chakagara makore makumi matatu chisina anochibatsira. Chokwadi vanhu vanorarama nehurema vakasachenjera vanosvika pakufa vachikwangwaya nenhamo. Make things happen “itai kuti zvinhu zviite”, kwete kuti zvinorema nekuti sevanhu vanorarama nehurema muZimbabwe tavakutozvimirira kuti tiwanewo cheuviri.” vanodaro muzvare Magama.

“Ndinofara chaizvo nekuda kwekutambanudzirwa ruoko nebazi reMinistry of Women’s Affairs nekuti takakwanisa kutenga huku 200 pamunhu nechikafu chacho pamwe nemishonga inodikanwa. Iyezvino huku dzedu dzavanemasvondo maviri uye tirikutarisira kuti dzichasvika pakunotengeswa tisina kurasikirwa zvakanyanya. Tirikusangana nedambudziko rekushomeka kwemvura uye vabatsiri vanotibatsirawo kuchengeta huku sezvo pamwe tichikonewa nekuda kwekurwadziwa nemiviri. Hongu takaona zvirinyore kwatiri asi pamwe unenge wodawo vashandi kuti basa ribude zvakanaka uye zvitirerukire. Tinotarisirawo kuzobatsirwa pakutengesa huku dzedu zvikuru kuma company makuru akaita sana chicken inn, chicken fries nevema lodge kuti vatitengerewo nekuratidza chido chekusimudzira zvinoitwa nevakaremara.” anodaro muzvare Magama.

Ashley Ngomo anoti iye anoozvikorokotedza pakutanga pamwechete neshamwari dzake nekuda kwokuisa misoro pamwe kuronga chinhu chinobudirira.

“Kurarama nehurema hazvirevi kuti takaremara nemazano. Tinogaro shushikana nehurumende yedu inotitakunyira kure uye nevanhu vatinenge takagarisana navo. Vanoti nemera nemazita okumhura izvo zvinotishaisa mufaro zvekusvika kuchema misodzi kuna Mwari kuti akatisikirei takaremara. Izvozvo ndizvo zvirikukanganisa vazhinji vanorarama nehurema kuti vatambanuke vachiitawo maprojects anongoitwawo nevasina hurema. Uye zvaunza dambudziko pamusoro pedambudziko nekuti vazhinji vevanorarama nehurema varikuwanikwa vachipemha zvekudya nezvekupfeka mumabhazi neposepose zvingarevi kuti havagonewo kubata nemaoko avo asi nharaunda ndiyo irikusakisa kuti zvive zvakadero.

Alice Sabawe uyo mumwe wemadzimi aya anoti iye anoona ramangwana ravo rakajeka, “Tichakwanisa kuendesa vana vedu muzvikoro zvema boarding kuti vawanewo dzidzo seinongowanikwa nevana vevatungamiriri nevanhu vemunharaunda vanotitarisira pasi nekuti dzvanyirira. Mwari ndivo vanosimudza rombe kubva paguruva, Mefibhoshieti chaiva chirema asi nerimwe ramazuva chakadya patafura namambo. Ngatisazvitarisirei pasi isu sevanhu vanorarama nehurema nekuti tikangodaro chokwadi tinongoramba tirimiswe panyaya dzebudiriro.

“Hurumende yedu dai yaedza nepose painogona napo kusimudzira raramo uye nekugadza hutungamiriri hwakatarisana nevanorarama nehurema hwunenge hwuri pedyo nekunzvimbo dzose muZimbabwe kwete kufambira mitunhu kana tine zvatinenge tichida kubatsirwa. Tino kuridzirawo mabazi anoshanda akazvimiririra kuti afambise hupenyu wemunhu anorarama nehurema mberi. Kuremara kwakasiyana siyana, kune vamwe vasingatogoni kuita chinhu vanoda zvikwanisiro zvavo kuti zvivarerukire pamagariro,” anodaro muzvare Sabawe.

Tichitaura naBridget Zvidzai wekuWomen’s affairs anoti iye anofara zvikuru nekuda kwechinhanho chakatorwa nevechidzimai vanorarama nehurema kuapplyer mari dzekuvamba zvemabhizimusi. Musha mukadzi, isu donzo redu see ministry kuwanisa mikana kumadzimai ose zvisinei nekuti wakaremara kana kuti hauna kuremara. Tarisiro yedu kuona munhu wechidzimai achirarama hupenyu hwakanaka pasina kumbunyikidzwa kwekodzero dzevechidzimai zvisinei nekuva nehurema kana kwete.

“Mweya uyu dai waramba urimo munevechidzimai hwekumiririra kodzero dzavo zvikuru kunevanorarama nehurema kuti zvipe shungu kunevamwe vanoti azvigoneke. Madzima Aya atovhurira vamwe mukana nekuvapa chitsvambe kune avo vange vachifunga kuti Kuma hofisi edu hakusvikike,” anodaro muzvare Zvidzai.

“Chivimbo changu sebazi reMinistry of women’s affairs kuramba tichishandidzana nechikwata ichi chinotungamirirwa naMai Magama avo vakaratidza kuva nemuono nekushanda nesimba zvisinei nekuti vanorarama nehurema.”

Tichitaura neaimbova councilor muward 5 uye achirwira kodzero dzevanhukadzi anoti iye akachamadzwa nekuda kwebudiriro yeshanduko yaitwa nevechidzimai vanorarama nehurema ava izvo zvaita kuti matambudziko avo agova anoderedzwa.

“Ndinofara nezvaitwa nanamai Magama nekuti takambokuridzirana navo kungwaririra mikana inouya nekuti pamwe isu sevatungamiriri tinowandirwa asi hazvirevi kuti tinenge tisinavo pamoyo pedu,” anodaro Charity Mungwani.

Madzima aya mana anorarama nehurema arikuona ramangwana ravo rakajeka kuburikidza nemushandira pamwe wavarikuita wekuchengeta huku. Vanoti ivo vanotarisira kuwaniswawo nzvimbo yakatambanuka yakaita seplot munzvimbo dzakapoteredza Gokwe center kuti vaite project yavo zvakatambanuka panezvikwanisiro zvakaita semvura nemasora.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *