FEATUREDLatestNewsWomen & Youth

Hwuwandu hwemadzimai arikutyorerwa kodzero dzavo hwurikuwanda kumaruwa

Isheunesu Tirivangani

Kudzvinyirirwa kodzero dzevanhukadzi mumaruwa dzave kuramba dzichitsviriridza zvekuti pakutoda patanho akasimba kubva kumativi akasiyana siyana kusanganisira hurumende, nevema Civil Society Organisations kuti vabatsire padanho iri.

“Ndaigara ndichirohwa nemurume zuva rega rega husiku kana obva kubhawa akadhakwa pamberi pevana izvo zvakakonzera ndibatwe BP yavakundizvimbisa makumbo nekuda kwekushungurwudzwa kwandayiitwa uye nekuriritira vana sezvo baba vevana vakange vongoswero kutevedzana nezvisikana vekumabhawa. Ndakazotiza murume uyu nevana ndaona kuti angadzimara andiuraya. Kubva zvandakamusiya ndava nezororo asi chava kundikatyamadza ndechekuti avakundityisidzira kuti anoda kundiponda nekuda kwekuti ndakatora vana avo dzichiri ndumurwa dzaayikonewa kuchengeta tichiri tose. Varume vanotishungurudzireiko?” vakarondedzera Muzvare Tatenda (iri sandiro zita ravo chairo), misodzi yavakungoti mokocho mumatama.

Madzimai anezvikamu zvinopfuura makumi mashanu arikugaro shungurudzwa nenzira dzakasiyanasiyana dzinosanganisira kurohwa, kushandiswa mabasa anorema, kubatwa chibharo, kusarapiswa, kusawaniswa dzidzo nekuderedzwa pasi munyaya dzebudiriro. Zviitiko izvi zvirikuramba zvichiwedzera nekuda kwekusa cherechedzwa kwazvo nehurumende pamwechete nemapazi anomiririra kodzero dzevechidzimai. Kushungurudzwa kwemadzimai kunzvimbo dzekumaruwa kwatsviriridza zvikuru uko kwasimudza rimwe boka rinotungamirirwa nemadzimai muGokwe South nechinangwa chekuparura ruzivo kumadzimai pamusoro pekodzero dzavo.

Mumwe wemadzimai arikurwisana nekushungurudzwa kwemadzimai anodaidzwa kuti Tafadzwa Mukando anoratidza kusafara kwazvo nekuda kwekumbunyikidzwa kuri kuitirwa madzimai .

“Kumhan’arwa kwemhirizhonga yekurohwa kwemadzimai kurikuramba kuchikwira kumadzitare emasabhuku nemadzishe kusvika kunanavamuchuchusi vedzimosva vekumatare makuru. Dzimwe dzenyaya dzacho adzisizve kutongwa zvakanaka zvinova zvirikuratidza kusawaniswa mitongo yakajeka kuvanhu vechidzimai maringe negender based violence. Madzitare edzimhosva maduku arikuchuchisa nyaya akarerekera kudivi revarume zvimwe pada nekupihwa chioko muhomwe.

“Madzimai anenge akazvitakura ikodzero dzavo kuenda kuzvipatara nekuwaniswa mishonga. Ijana rehurumende kuvaka makirinika kumaruwa kupedza dambudziko rekufa kwemadzimai anenge akazvitakura. Tinokumbira vemapazi anoshanda akazvimiririra kubatsirana nehurumende kuwanisa vanasikana nemadzima ekumaruwa masanitary pads nemafamily planning pills pachena nekuti vazhinji vavo vanoshaiwa zvinopa kuti vashandise dzimwe nzira dzisina utano dzinozouyisa zvirwere zvakaita sana gomarara.

“Tinokumbira chirongwa chaFirst lady chekuongororwa kwemadzimai gomarara chisvikewo kumaruwa ose ose kusanganisira Gokwe south and Gokwe North,” anodaro Mukando.

Sangano reZimbabwe Organisation for Youth Politics (ZOYP) rakaunganidza uchapupu hwevanhu muhurukuro nevagari vemuGokwe South maringe nekubatwa kwevanasikana chibharo kurikuitika kumaruwa pamwechete nehuori hurikuitwa kumadzitare edzimhosva hwekusatonga zvakanaka nyaya dzegender based violence. Vagari vemuGokwe vakaitwa hurukuro navo vakaburitsa pachena kuti huori hurikutangira kumatare maduku emadzisabhuku asi yambiro yakapihwa ndeyekuti nyaya dzakadero dzinofanira kuziviswa kumapurisa kusvika kumatare makuru . Pakabuda nyaya yekuti vanhu vanenge vakabatw chibharo varikuonekwa vachiita Community service zvinova zvirikushungurudza madzimai .

Charity Mungwani uyo aimbova deputy Mayor paGokwe town council anoshoropodza kusabatwa zvakanaka kwemadzimai. Muhurukuro yaakaitwa nemutori wenhau uno, akakumbirisa nharaunda nevarume uye nehurumende kuti ichengetedze kodzero dzemadzimai zvineudzamu.

“Ikodzero dzemadzimai kuva vatungamiriri uye kutora zvigaro munyaya dzebudiriro zvinoitwa nehurumende. Women’s place is not in the kitchen (nzvimbo yemadzimai yaisikungova yemukichini badzi) asi kuvawo mumahofisi nekuva vatungamiriri mupazi akasiyana siyana,” akadaro Mungwani.

Muhurukuro yakaitwa nemutori wenhau naTendai Masora uyo anoshanda arikubazi reZimcodd anoti, “…simuka mukadzi simuka, Vakadzi vanozvigona chaizvo vachikurudzirwa neMSN, madzimai vanoda kuti munhu wese asimudzirwe, vakadzi ndivo zvekare vanogona kune zvemabhizimisi nekuti vanoburitsa zvakawanda vachishandisa zvishoma zvavanenge vanazvo. Madzimai anogona kutungamira zvakanyanya nekudaro vanofanirwa kupiwa mukana.

“Madzimai anoda kuwaniswa dzidzo zvakafanana nevarume, mukuitwa kwemamwe matrainings anovabetsera kuita maprojects nekuwaniswawo mari dzingavabetsera kuti vakwanise kuita mishandira pamwe vachiriritira mhuri dzavo. Tinofanira kuti tigadzire nyaya yekuti madzimai awaniswe zvingavabetsera kuita mabhizimisi, vachiwanawo pekurima, havafaniri kuramba vachishungurudzwa mumabasa nekuda kwe sexual harassment,” anodaro Masora.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *